Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi muchirongwa chedu tine hurukuro naDoctor Kudakwashe Tuwe, vanove mutewedzeri wasachigaro vesangano reZimbabwe Rural Schools Library Trust, avo vari kuWellington, guta guru reNew Zealand.

Sangano reZimbabwe Rural Schools Library Trust riri kuita mabasa ekusimudzira zvikoro zvekumaruwa kuburikidza nekuumba matura emabhuku, kana kuti libraries.

Doctor Tuwe nesangano ravo vari kuunganidza mabhuku, makombiyuta pamwe nezvimwe zvikwanisiro zvinodiwa muzvikoro izvo zvavari kuzogovera muzvikoro zvekumaruwa zvemunyika. Vanoti kusvika pari zvino sangano iri rakwanisa kugovera mabhuku nezvikwanisiro kuzvikoro zvinodarika zana.

“Sangano iri rakaumbwa mushure mekunge taona kukosha kwekuti vana vakawanda, kumaruwa kunyanya, nyaya yemabhuku inhau yakanga ichinetsa zvikuru. Saka hurongwa nekukurukura zvakatanga mugore ra2010, then mugore ra2012 ndobva chapter yekutanga yekuZimbabwe yanyoreswa. Then gore raitevera 2013 bvatavhura chapter yekuno kuNewZealand,” vanodaro Doctor Tuwe.

Vanoti pari zvino vane hurongwa hwekuvhura chimwe chikamu chetatu kuAustralia gore rino risati rapera, kana Mwari vakavatendera.

Vanotiwo mubatsiri wesangano ravo mukuru kana kuti patron, Dr. Solomon Guramatunhu vanove nyanzvi yemaziso, vakatovakawo dura remabhuku rakanaka zvikuru pachikoro cheSaint Peter’s kwaRusape.

Doctor Tuwe vanoti sangano ravo rine hurongwa hwekuwedzera nzira dzavanobatsira nadzo vana vanoshaya kuburikidza nekuvabhadharira mari dzechikoro, sezvavanoti zviri kuitwa naAmai Tsitsi Masiyiwa.

https://www.voashona.com/a/7328573.html